Kazhinji vanasikana vanotanga kuteera pakati pemakore masere (8) kusvika kugumi nemaviri (12), vachizoguma kumakore makumi mana nemashanu (45) kusvika makumi mashanu nemashanu (55).
Munhukadzi anoberekwa aine mazai ake ose. Aine:
- 2 ovaries – munochengeterwa mazai, uye maanobudiswa mwedzi wega wega
- Fallopian tubes – machubhu maviri akatetepa anobatanidza maovaries kuchibereko, uye munosangana zai nembeu yababa
- Chibereko (uterus) – munodyarwa zai rinenge rasangana nembeu yababa uye ndimo munokurira mwana
- Muromo wechibereko (cervix) – musuwo wechibereko uchibva kusikarudzi
- Sikarudzi (vagina) – panobuda neropa panguva yekuteera kana mwana panguva yekuzvara.
Zvinhu zvose izvi zvinoshanda nekuda kwemahormones akasiyana siyana. Mahormones aya anogadzirwa mubrain (pituitary nehypothalamus) uye nemaovaries. Kushanda kwemahormones aya kunoita kuti zai rikure, uye rigone kubuda muhomwe (follicle) marinokura riri (ovulation), richizofamba kunosangana nembeu yababa (sperm). Kana zviviri izvi zvasangana (fertilised), ndipo pazvinozonamira mumadziro (endometrium) echibereko (implantation).
Mahormones (FSH, LH, Oestradiol, Progesterone) kushanda kwawo kunobatsira kuti munhukadzi agone kutevera mwedzi wega wega. Kana mahormones aya nemamwe anonzi Thyroid neProlactin level kana asina kugara zvakanaka zvinokanganisa munhukadzi kuti atevere zvakanaka mwedzi wega wega (irregular periods). Mahormones aya zvekare anobatsira kuti chibereko chigone kugashira nekuchengetedza pamuviri kana pabata.
Mahormones mashanu anoshanda kuti munhukadzi atevere
- GnRH (Gonadotrophin-releasing hormone) inogadzirwa mubrain – hypothalamus. Inoshanda kubatsira kufamba kweFSH neLH.
- FSH (Follicle Stimulating Hormone) inogadzirwa mubrain – pituitary. Inobatsira pakukura kwemazai.
- LH (Luteinising Hormone) inogadzirwa mubrain – pituitary. Inobatsira pakuti zai ribude muovary (ovulation).
- Oestrogen inogadzirwa nemaovaries, ichibatsira kuti mamwe mahormones asakwirise uyezve kuti maovaries asakudze mazai akawandisa.
- Progesterone inogadzirwa kunyanya kubva pahomwe inenge yabuda zai. Inoshanda neOestrogen kuti madziro echibereko (endometrium) ikure kugadzirira pamuviri pabate uye pachengetedzeke. Kunyanyodzika kwayo kana pamuviri pabata kunogona kuita isvodze / kubva.
Mamwe mahormones anechekuita nekutevera kana kubata pamuviri
- Thyroid level – inogadzirwa neThyroid (iri pahuro). Kusagadzikana kwayo kunogona kutadzisa munhukadzi atevere zvakanaka, ropa ribude riri shoma, umire kutevera, utevere kakawanda pamwedzi kana kuti zai ritadze kubuda muovary, kana kuti pamuviri pasvodze / kubva.
- Prolactin level – inogadzirwa mubrain (pituitary). Kusagadzikana kwayo kunogona kutadzisa munhukadzi atevere zvakanaka, atevere mazuva akawandisa, umire kutevera kana kuti zai ritadze kubuda muovary, kana kuti pamuviri pasvodze / kubva.
Mazuva ekutevera anotarisirwa maviri kusvika kumanomwe (2–7 days). Akaita mashoma kana kuwandisa enda unoonekwa nachiremba.
Mazuva ecycle anotarisirwa makumi maviri nemana kusvika kumakumi matatu nemasere (24–38 days). Zuva rinotanga kubuda ropa rinoverengwa sezuva rekutanga recycle (cycle day 1), kusvika kuzuva rinotanga zvekubuda ropa mwedzi unotevera. Kana pamuviri pakasabata lining (madziro) echibereko inopwanyika yobuda seropa patinoti munhukadzi ari kutevera kana kuenda kuperiod.
Ovulation chii?
Ovulation inoreva kuti zai rabuda mumaovaries richinopinda mumatubes echibereko (fallopian tubes). Izvi zvinoitika zvichibatsirwa nemahormones oestrogen, FSH neLH. LH ndiyo inozoita kuti zai ribude muovary richipinda mumatubes. Kana zai rabuda muhomwe marinobuda, homwe (corpus luteum) iyi inosara yogadzira hormone rinonzi progesterone neoestrogen zvinozobatsira kukura kwemadziro echibereko (uterus lining / endometrium).
Ovulation inowanzoitika pakati pemazuva makumi kusvika kugumi nematanhatu (10–16 cycle days), asi zvinosiyana munhu nemunhu zvichienderana nekureba kwemazuva ecycle yako.
- Fertile window – ndipo pamunenge mune mukawana wakanyanya kuti pamuviri pabate. Mukana uyu unotanga mazuva mashanu kana matanhatu (5–6 days) anotevera ovulation iitike.
- Peak fertile window – aya ndiwo mazuva ane mukana wakanyanyisa kuti ubate pamuviri. Mukana uyu uri pazuva reovulation nezuva rekumashure ovulation isati yaitika.
Kazhinji mwedzi wega wega zai rimwe chete rinenge rakura ndiro rinobuda muovary. Zai kana rabuda muovary rinorarama kwezuva rimwe chete. Saka zvakakosha kuti munge muchisangana nababa kaviri kana katatu pasvondo kuti pamuviri pabate.
Ndinoziva sei kuti ndinoovulate?
- Muviri unotanga kudziya kupfuura mazuva ese
- Kurwadziwa kudivi rabuda zai
- Mazamu kurwadza
- Kushanduka kwemvura dzinobuda kusikarudzi dzichiita sewhite yezai (egg white discharge)
- Kunzwa kuda bonde kupfuura mamwe mazuva
Nzira iri nani kuti uzive kuita matest uchishandisa Ovulation Predictor Kits, ayo anogona kutengwa mumachemist kana pharmacy. Unoshandisa kubva pamazuva gumi kusvika kugumi nematanhatu (day 10–16) kana cycle yako iri pakati pemakumi maviri nemasere kusvika kumakumi matatu nerimwe (28–31 days).
Kana matubes akavharika zvinotadzisa zai raamai nembeu yababa kuti zvisangane pamuviri potadza kubata. Munhu anogona kuita zviratidzo zveovulation kunyangwe matubes ake asina kuvhurika, saka zvakakosha kuti unotariswa matubes ako kuti akavhurika here.
This guide is for education and support. It does not replace advice from your own doctor or fertility clinic.